Genesis 48

Manase naEfuremu

1Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa kuti, “Baba vako vanorwara.” Saka akatora vanakomana vake vaviri Manase naEfuremu pamwe chete naye. 2Jakobho akati audzwa kuti, “Mwanakomana wako Josefa auya,” Israeri akazvisimbaradza uye akagara panhoo.

3Jakobho akati kuna Josefa, “Mwari Wamasimba Ose akazviratidza kwandiri paRuzi munyika yeKenani, uye akandiropafadza ipapo, 4uye akati kwandiri, ‘Ndichakuita kuti ubereke vana uye ndichaita kuti muwande. Ndichakuita vanhu vazhinji, uye ndichakupa nyika ino kuti ive yako nokuzvizvarwa zvako nokusingaperi.’

5“Ipapo zvino, vanakomana vako vaviri vawakaberekerwa muIjipiti ndisati ndasvika kwauri kuno vachanzi ndevangu; Efuremu naManase vachava vangu, saRubheni naSimeoni vari vangu. 6Vana vose vawakaberekerwa mumashure mavo vachava vako; munyika yavo yenhaka vachazivikanwa pasi pamazita amadzikoma avo. 7Pandakanga ndichibva kuPadhani, ndakasuwa nokuti Rakeri akafira munyika yeKenani patakanga tichiri munzira, nhambwe pfupi kubva kuEfurati. Saka ndakamuviga ipapo parutivi rwomugwagwa unoenda kuEfurati” (ndiro Bheterehema).

8Israeri akati aona vanakomana vaJosefa, akabvunza akati, “Ndivanaani ava?”

9Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vandakapiwa kuno naMwari.”

Ipapo Israeri akati, “Uya navo pano ndivaropafadze.”

10Zvino meso aIsraeri akanga aneta nokuda kwokukwegura, uye akanga asisagoni kuona zvakanaka. Saka Josefa akauya navanakomana vake pedyo naye, baba vake vakavatsvoda uye vakavambundikira.

11Israeri akati kuna Josefa, “Handina kumbofunga kuti ndichaona chiso chakozve, uye zvino Mwari anditendera kuti ndione vana vakowo.”

12Ipapo Josefa akavabvisa pamabvi aIsraeri akakotama pasi nechiso chake. 13Uye Josefa akavatora vose vari vaviri, Efuremu kurudyi kwake akatarira kuruoko rworuboshwe rwaIsraeri, uye Manase kuruboshwe, akatarira kuruoko rworudyi rwaIsraeri, uye akavaswededza pedyo navo. 14Asi Israeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi akaruisa pamusoro waEfuremu, kunyange zvake akanga ari muduku, uye akachinjika maoko ake, akaisa ruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, kunyange hazvo Manase akanga ari iye dangwe.

15Ipapo akaropafadza Josefa akati,

“Mwari uyo madzibaba angu,
ivo Abhurahama naIsaka, vakafamba pamberi pake,
iye Mwari akanga ari mufudzi wangu
upenyu hwangu hwose kusvikira nhasi,
16Mutumwa akandisunungura kubva pane zvakaipa zvose,
ngaaropafadze vakomana ava.
Ngavadanwe nezita rangu
uye namazita amadzibaba angu Abhurahama naIsaka,
uye ngavawande zvikuru
pamusoro penyika.”
17Josefa paakaona baba vake vachiisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu haana kufadzwa nazvo; saka akabata ruoko rwababa vake kuti arubvise pamusoro waEfuremu aruise pamusoro waManase. 18Josefa akati kwavari, “Kwete, baba vangu, uyu ndiye dangwe; isai ruoko rwenyu rworudyi pamusoro wake.”

19Asi baba vakaramba vakati, “Ndinozviziva, mwana wangu, ndinozviziva. Naiyewo achava rudzi, uye naiyewo achava mukuru. Kunyange zvakadaro hazvo muduku achava mukuru kupfuura iye, uye zvizvarwa zvake zvichava boka rendudzi zhinji.” 20Akavaropafadza pazuva iro akati,

“Muzita rako, Israeri achataura ropafadzo iyi achiti:
‘Mwari ngaakuite saEfuremu naManase.’ ”
Saka akaisa Efuremu pamberi paManase.

21Ipapo Israeri akati kuna Josefa, “Ndava pedyo nokufa, asi Mwari achava newe uye achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu. 22Uye kwauri, sezvo uri munhu ari pamusoro pamadzikoma ako, ndinokupa mugove wenyika yandakatorera vaAmori nomunondo wangu uye nouta hwangu.”

Copyright information for SnaBDSC